Publicidade

Salmos 149

1 Rumbidzai Jehovha.

Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,

rumbidzo yake paungano yavatsvene.

2 Israeri ngavafarire Muiti wavo;

vanhu veZioni ngavafarire Mambo wavo.

3 Ngavarumbidze zita rake vachitamba,

uye vamuridzire nziyo namatambureni nembira.

4 Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake;

vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso.

5 Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake,

uye vaimbe nomufaro vari pamibhedha yavo.

6 Kurumbidzwa kwaMwari ngakuve pamiromo yavo,

nomunondo unocheka kwose, mumaoko avo,

7 kuti vatsive pamusoro pendudzi,

uye varange marudzi avanhu,

8 vasunge madzimambo avo nengetani,

namakurukota avo nezvisungo zvamatare,

9 kuti vaite zvavakatongwa nazvo,

zvakanyorwa pamusoro pavo.

Ndiko kukudzwa kwavatsvene vose.

Rumbidzai Jehovha.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_06-50-08-