Publicidade

Salmos 122

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

1 Ndakafara pavakati kwandiri,

"Handei kumba yaJehovha."

2 Tsoka dzedu dzimire

mukati mamasuo ako, iwe Jerusarema.

3 Jerusarema rakavakwa seguta

rakapakata kwazvo.

4 Ndiko kunokwira marudzi,

iwo marudzi aJehovha,

kundorumbidza zita raJehovha

maererano nezvakatemerwa Israeri.

5 Zvigaro zvokutonga zvimire ikoko,

zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi.

6 Nyengetererai rugare rweJerusarema:

"Vanokuda dai vagara zvakanaka.

7 Dai mukati mamasvingo ako maita rugare,

nokuchengetedzeka mukati menhare dzako."

8 Nokuda kwehama neshamwari dzangu,

ndichati, "Rugare ngaruve mukati mako."

9 Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu,

ndichatsvaka kubudirira kwako.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-