Publicidade

Salmos 2

1 Ndudzi dzinoitireiko bope?

Uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo?

2 Madzimambo enyika azvigadzirira

uye vabati vanoungana pamwe chete

kuti vazorwa naJehovha,

uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake.

3 Vanoti, "Ngatidamburei ngetani dzavo,

tigorasa mabote avo."

4 Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka;

Ishe anovadadira.

5 Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake

uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti,

6 "Ndakagadza Mambo wangu

paZioni, gomo rangu dzvene."

7 Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti:

Iye akati kwandiri, "Ndiwe Mwanakomana wangu;

nhasi ndava Baba vako.

8 Kumbira kwandiri,

uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako,

migumo yenyika ive yako.

9 Uchavatonga netsvimbo yesimbi;

uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari."

10 Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai;

munyeverwe, imi vabati venyika.

11 Shumirai Jehovha nokutya,

uye mufare nokudedera.

12 Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa

mukazoparadzwa munzira yenyu,

nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka.

Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-