Pular para o conteúdo
Publicidade

Mapisarema 109

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Mwari, imi wandinorumbidza,

regai kunyarara,

2 nokuti vanhu vakaipa vanonyengera vakandishamira miromo yavo;

vakataura nhema pamusoro pangu nendimi dzavo.

3 Vakandikomba namashoko okuvenga;

vanorwa neni pasina mhosva.

4 Pachinzvimbo choushamwari hwangu navo, vanondipa mhosva,

asi ini ndiri munhu wokunyengetera.

5 Vanonditsivira zvakaipa pane zvakanaka,

uye vanondivengera ushamwari hwangu.

6 Tumai munhu akaipa kuti apikisane naye;

mupomeri ngaamire kuruoko rwake rworudyi.

7 Paanotongwa, ngaawanikwe ane mhosva,

uye minyengetero yake ngaimupe mhaka.

8 Mazuva ake ngaave mashoma;

mumwe ngaatore nzvimbo youkuru hwake.

9 Vana vake ngavave nherera,

uye mukadzi wake ave chirikadzi.

10 Vana vake ngavave vapemhi vanodzungaira;

ngavadzingwe vabve mumatongo emisha yavo.

11 Waakakwereta ngaatore zvose zvaanazvo;

vatorwa ngavapambe zvose zvaakashandira.

12 Ngakurege kuva neanomunzwira ngoni

kana kunzwira tsitsi nherera dzake.

13 Zvizvarwa zvake ngazvirove,

mazita avo adzimwe parudzi runotevera.

14 Mhosva yamadzibaba ake ngairangarirwe pamberi paJehovha;

chivi chamai vake ngachirege kumbodzimwa.

15 Zvivi zvavo ngazvirambe zviri pamberi paJehovha,

kuti aparadze chirangaridzo chavo panyika.

16 Nokuti haana kumbofunga kuita zvakanaka,

asi akavhima varombo kusvika parufu,

vanoshayiwa navane mwoyo yakaputsika.

17 Aifarira kutaura chituko, ngachichiuya pamusoro pake;

iye asina kufadzwa nokuropafadza, ngakuve kure naye.

18 Aifuka kutuka senguo yake;

zvakapinda mumuviri wake semvura,

nomumapfupa ake samafuta.

19 Ngazvive sejasi rakamonerwa paari,

sebhanhire rakasungirirwa paari nokusingaperi.

20 Uyu ngauve muripo waJehovha kuvapomeri vangu,

kuna avo vanotaura zvakaipa pamusoro pangu.

21 Asi imi, Ishe Jehovha,

ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu;

ndirwirei, kubudikidza nokunaka kworudo rwenyu.

22 Nokuti ndiri murombo uye ndinoshayiwa,

uye mwoyo wangu wakuvara mukati mangu.

23 Ndinopera somumvuri wamadekwana;

ndinozunzwa semhashu.

24 Mabvi angu apera simba nokutsanya;

muviri wangu waonda uye ndaonda kwazvo.

25 Ndiri chinhu chinosekwa navapomeri vangu;

pavanondiona, vanodzungudza misoro yavo.

26 Ndibatsirei, imi Jehovha Mwari wangu;

ndiponesei zvakafanira rudo rwenyu.

27 Ngavazive kuti ndirwo ruoko rwenyu,

kuti imi, iyemi Jehovha, makazviita.

28 Ivo vangatuka havo, asi imi mucharopafadza;

vachanyadziswa pavanorwisa,

asi muranda wenyu achafara.

29 Vapomeri vangu vachafukidzwa nenyadzi,

uye vachaputirwa nokunyara sokunge nejasi.

30 Ndicharumbidza Jehovha nomuromo wangu zvikuru;

paungano huru, ndichamurumbidza.

31 Nokuti anomira kuruoko rworudyi rwouyo anoshayiwa,

kuti amuponese pane avo vanomupomera mhosva.

Todos os capítulos de Mapisarema 150
  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.