Publicidade

Salmos 87

Zvavanakomana vaKora. Pisarema. Rwiyo.

1 Akateya nheyo dzake pagomo dzvene;

2 Jehovha anoda masuo eZioni

kupfuura pose panogara Jakobho.

3 Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako,

iwe guta raMwari: Sera

4 "Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi

pakati pavanondiziva,

neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia,

uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’ "

5 Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati,

"Uyu nowoyo vakaberekerwamo,

uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa."

6 Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi,

kuti, "Uyu akaberekerwa muZioni." Sera

7 Pavanoimba, vachaimba vachiti,

"Matsime angu ose ari mamuri."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-