Pular para o conteúdo
Publicidade

MAPISAREMA 98

Pisarema.

1 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,

nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa;

ruoko rwake rworudyi nechanza chake

chitsvene zvakamukundisa.

2 Jehovha akazivisa ruponeso rwake

uye akaratidza kururama kwake kundudzi,

3 Akarangarira rudo rwake

nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri;

migumo yose yenyika yakaona

ruponeso rwaMwari wedu.

4 Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika yose,

imbai nziyo mupembere nomufaro;

5 imbirai Jehovha nembira,

nembira nenzwi rokuimba,

6 nehwamanda nokurira kworunyanga rwegondobwe,

danidzirai nomufaro pamberi paJehovha, iye Mambo.

7 Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri,

nenyika, navose vanogaramo.

8 Nzizi ngadziuchire maoko adzo,

makomo ngaaimbe pamwe chete nomufaro;

9 ngaaimbe pamberi paJehovha,

nokuti anouya kuzotonga nyika.

Achatonga nyika zvakarurama

navanhu nokururamisira.

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também