Publicidade

Salmos 46

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Namaimbirwo earamoti. Rwiyo.

1 Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu,

ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika.

2 Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka,

uye makomo akawira mukatikati megungwa,

3 kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo,

uye makomo akadengenyeswa namafungu aro. Sera

4 Pane rwizi rwuripo rune hova dzinofadza guta raMwari,

nzvimbo tsvene yeWokumusoro-soro.

5 Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi;

Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.

6 Ndudzi dzinoita bope, umambo hunoondomoka;

anotaura nenzwi guru, nyika yonyongodeka.

7 Jehovha Wamasimba Ose anesu;

Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera

8 Uyai muone mabasa aJehovha,

kuparadza kwaakaita panyika.

9 Anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika;

anovhuna uta uye anovhuna-vhuna mapfumo,

anopisa nhoo nomoto.

10 "Mirai, muzive kuti ndini Mwari;

ndichakudzwa pakati pendudzi,

ndichasimudzirwa panyika."

11 Jehovha Wamasimba Ose anesu;

Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-