Publicidade

Salmos 95

1 Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro;

ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu.

2 Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga

uye timukudze nenziyo.

3 Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru,

Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose.

4 Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake,

uye misoro yamakomo ndeyake.

5 Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita,

uye maoko ake akaumba nyika yakaoma.

6 Uyai tikotame, tinamate,

ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu;

7 nokuti ndiye Mwari wedu,

uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye,

makwai anochengetwa naye.

Nhasi kana muchinzwa inzwi rake,

8 musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha,

sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga,

9 pandakaedzwa namadzibaba enyu

kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita.

10 Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana;

ndakati, "Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka,

uye havana kuziva nzira dzangu."

11 Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati,

"Havangazombopindi pazororo rangu."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_06-50-08-