Vizinho
Amar o próximo é um dos mandamentos centrais do evangelho. A Bíblia nos ensina que nossos vizinhos são aqueles a quem devemos servir, apoiar e encorajar com amor genuíno.
O mandamento do amor ao próximo
Jesus resume a Lei no amor a Deus e ao próximo. Amar o vizinho como a si mesmo é cumprir toda a Lei.
Wechipiri ndouyu: ‘Ida wokwako sezvaunozvida iwe.’ Hakuna murayiro mukuru kupfuura iyi."
Murayiro wose unobatanidzwa mumurayiro mumwe chete unoti: "Ude wokwako sezvaunozvida iwe."
Nokuti mirayiro inoti, "Usaita upombwe," "Usauraya," "Usaba", "Usachiva," uye kana mumwe murayiro upi noupi zvawo ungavako, zvakaunganidzwa pamutemo unoti, "Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe."
Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa. Naizvozvo rudo runozadzisa murayiro.
Saka muzvinhu zvose itirai vamwe zvamunoda kuti vakuitirei imi, nokuti izvi ndizvo Murayiro naVaprofita.
Amor em ação
O amor verdadeiro se mostra em ações concretas: hospitalidade, generosidade e cuidado com os necessitados ao nosso redor.
Rambai mune rudo pakati penyu sehama. Musakanganwa kuitira vaeni rudo, nokuti vamwe mukuita izvi vakashumira vatumwa vasingazvizivi.
Kunamata kunodikanwa naMwari Baba vedu kwakachena, uye kusina chakungapomerwa ndokuku: kuchengeta nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo uye nokuzvichengeta kuti urege kusvibiswa nenyika.
Pamusoro paizvozvo zvose dananai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji.
Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi.
Iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga: Tinofanira kudanana.
"Ndinokupai murayiro mutsva wokuti: Dananai. Sezvo ndakakudai, saizvozvo munofanira kudanana.
Edificação e encorajamento mútuo
Somos chamados a encorajar uns aos outros, carregar os fardos alheios e buscar o bem do próximo acima do próprio interesse.
Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino.
Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu.
Mumwe nomumwe wedu anofanira kufadza muvakidzani wake pane zvakanaka, zvinomuvaka.
Munhu ngaarege kutsvaka zvakamunakira iye, asi zvakanakira vamwe.
Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye.
Ishe ngaakurise rudo rwenyu uye rupfachukire kuno mumwe nomumwe nokuvanhu vose, sezvinoita rwedu kwamuri.
Humildade, perdão e convivência
O relacionamento com o próximo exige humildade, paciência e disposição para perdoar. Não devemos julgar, mas acolher com compaixão.
Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi.
Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe.
Naizvozvo ngatiregei kuramba tichipana mhosva. Asi munhu ngaarege kuisa chigumbuso kana chipinganidzo munzira yehama yake.
Naizvozvo, iwe unotonga mumwe munhu hauna pembedzo, nokuti pachinhu chipi nechipi chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga, unoita zvinhu zvimwe chetezvo.
Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise.
Mumwe munhu anokoshesa rimwe zuva kupfuura rimwe: mumwe munhu anoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazvizivire kwazvo mumwoyo make.
"Munhu asina tariro anofanira kuwana rudo rweshamwari dzake,
kunyange iye arega kutya Wamasimba Ose.