Pular para o conteúdo
Publicidade

2 Makoronike 27

Jotamu Mambo weJudha

1 Jotamu aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Amai vake vainzi Jerusha mwanasikana waZadhoki. 2 Akaita zvakanaka pamberi paJehovha sezvakanga zvaitwa nababa vake Uzia, asi iye haana kuzopinda zvake mutemberi yaJehovha. Kunyange zvakadaro, vanhu vakaramba vachiita zvakaipa zvavo. 3 Jotamu akavakazve Suo Rokumusoro retemberi yaJehovha akaita basa guru kwazvo parusvingo rwapagomo raOferi. 4 Akavaka maguta muzvikomo zveJudhea, nenhare neshongwe mumatondo.

5 Jotamu akarwa namambo wavaAmoni akavakunda. Mugore iroro vaAmoni vakamuripa matarenda zana27:5 matani angaita 3.4 esirivha, nezviyero zvegorosi zviuru gumi27:5 makirorita angaita 2,200 , nezviyero zvebhari zviuru gumi. VaAmoni vakauyisa zvimwe chetezvo mugore rechipiri nerechitatu.

6 Jotamu akava nesimba kwazvo nokuti aifamba akatendeka pamberi paJehovha Mwari wake.

7 Zvimwe zvakaitwa mukutonga kwaJotamu pamwe chete nehondo dzake dzose dzaakarwa nezvimwe zvinhu zvaakaita, zvakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri neeJudha. 8 Aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. 9 Jotamu akazorora namadzibaba ake akavigwa muGuta raDhavhidhi. Uye Ahazi mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Todos os capítulos de 2 Makoronike 36
  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.