Dhavhidhi anozodzwa kuti ave Mambo weIsraeri
1 Marudzi ose avaIsraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni akati, "Tiri nyama yenyu neropa renyu. 2 Panguva yakapfuura, Sauro paakanga ari mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsraeri kuhondo dzavo. Uye Jehovha akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu Israeri, ugova mutongi wavo.’ "
3 Vakuru vose veIsraeri vakati vauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, mambo akaita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha, uye vakazodza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri.