Publicidade

Apocalipse 15

Vatumwa Vanomwe naMatenda Manomwe

1 Ndakaona kudenga chimwe chiratidzo chikuru chinoshamisa ichi: vatumwa vanomwe namatambudziko manomwe okupedzisira, nokuti nawo hasha dzaMwari dzakapera. 2 Uye ndakaona chairatidzika segungwa regirazi rakavhenganiswa nomoto uye parutivi rwegungwa pakanga pamire, avo vakanga vakunda chikara nomufananidzo wacho nechiverengo chezita racho. Vakabata madimbwa avakanga vapiwa naMwari 3 uye vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari norwiyo rweGwayana, vachiti:

"Mabasa enyu makuru uye anoshamisa,

Ishe Mwari Wamasimba Ose.

Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi,

imi Mambo wamakore.

4 Ndianiko angarega kukutyai, imi Ishe,

kana kukudza zita renyu?

Nokuti ndimi moga mutsvene.

Ndudzi dzose dzichauya

dzigonamata pamberi penyu,

nokuti mabasa enyu akarurama akaratidzwa."

5 Shure kwaizvozvi ndakatarira kudenga, uye temberi, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, yakanga yakazaruka. 6 Mutemberi makabuda vatumwa vanomwe vana matambudziko manomwe. Vakanga vakapfeka nguo dzomucheka wakachena, unopenya uye vakamonera mabhanhire egoridhe pazvipfuva zvavo. 7 Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa kuvatumwa vanomwe ndiro nomwe dzizere nehasha dzaMwari, iye anogara nokusingaperi-peri. 8 Uye temberi yakazadzwa noutsi hunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake, uye hakuna munhu aigona kupinda mutemberi kusvikira matambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-