Pular para o conteúdo
Publicidade

Zvakazarurwa 15

Vatumwa Vanomwe naMatenda Manomwe

1 Ndakaona kudenga chimwe chiratidzo chikuru chinoshamisa ichi: vatumwa vanomwe namatambudziko manomwe okupedzisira, nokuti nawo hasha dzaMwari dzakapera. 2 Uye ndakaona chairatidzika segungwa regirazi rakavhenganiswa nomoto uye parutivi rwegungwa pakanga pamire, avo vakanga vakunda chikara nomufananidzo wacho nechiverengo chezita racho. Vakabata madimbwa avakanga vapiwa naMwari 3 uye vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari norwiyo rweGwayana, vachiti:

"Mabasa enyu makuru uye anoshamisa,

Ishe Mwari Wamasimba Ose.

Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi,

imi Mambo wamakore.

4 Ndianiko angarega kukutyai, imi Ishe,

kana kukudza zita renyu?

Nokuti ndimi moga mutsvene.

Ndudzi dzose dzichauya

dzigonamata pamberi penyu,

nokuti mabasa enyu akarurama akaratidzwa."

5 Shure kwaizvozvi ndakatarira kudenga, uye temberi, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, yakanga yakazaruka. 6 Mutemberi makabuda vatumwa vanomwe vana matambudziko manomwe. Vakanga vakapfeka nguo dzomucheka wakachena, unopenya uye vakamonera mabhanhire egoridhe pazvipfuva zvavo. 7 Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa kuvatumwa vanomwe ndiro nomwe dzizere nehasha dzaMwari, iye anogara nokusingaperi-peri. 8 Uye temberi yakazadzwa noutsi hunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake, uye hakuna munhu aigona kupinda mutemberi kusvikira matambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.

Todos os capítulos de Zvakazarurwa 22
  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.