Gwayana neBhuku Rakapetwa
1 Ipapo ndakaona muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe bhuku rakanga rakapetwa, rakanga rakanyorwa kumativi ose uye rakanamwa nezvisimbiso zvinomwe. 2 Uye ndakaona mutumwa ane simba achidanidzira nenzwi guru achiti, "Ndiani akafanira kusunungura chisimbiso nokuzarura bhuku rakapetwa?"