Vanhu Zviuru Zana naMakumi Mana neZvina vanoiswa Chisimbiso
1 Shure kwaizvozvi, ndakaona vatumwa vana vamire pamakona mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika kuti vadzivise mhepo ipi zvayo kuvhuvhuta panyika kana pamusoro pegungwa kana pamuti upi zvawo. 2 Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibva kumabvazuva, ane chisimbiso chaMwari mupenyu. Akadanidzira nenzwi guru kuvatumwa vana vakanga vapiwa simba rokuti vatadzire nyika negungwa akati: 3 "Musatadzira nyika kana gungwa kana miti kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari." 4 Ipapo ndakanzwa kuwanda kwaavo vakanga vaiswa chisimbiso: zviuru zana namakumi mana nezvina, kubva kumarudzi ose avaIsraeri.
5 Kubva kurudzi rwaJudha, zviuru gumi nezviviri vakaiswa chisimbiso,
kubva kurudzi rwaRubheni, zviuru gumi nezviviri,
kubva kurudzi rwaGadhi, zviuru gumi nezviviri,
6 kubva kurudzi rwaAsheri, zviuru gumi nezviviri,
kubva kurudzi rwaNafutari, zviuru gumi nezviviri,
kubva kurudzi rwaManase, zviuru gumi nezviviri,
7 kubva kurudzi rwaSimeoni, zviuru gumi nezviviri,
kubva kurudzi rwaRevhi, zviuru gumi nezviviri,
kubva kurudzi rwaIsakari, zviuru gumi nezviviri,
8 kubva kurudzi rwaZebhuruni, zviuru gumi nezviviri,
kubva kurudzi rwaJosefa zviuru gumi nezviviri,
kubva kurudzi rwaBhenjamini zviuru gumi nezviviri.