Pular para o conteúdo
Publicidade

Genesisi 12

Kudanwa kwaAbhurama

1 Jehovha akanga ati kuna Abhurama, "Siya nyika yako, vanhu vako neimba yababa vako uye uende kunyika yandichakuratidza.

2 "Ndichakuita rudzi rukuru

uye ndichakuropafadza;

ndichaita kuti zita rako rive guru,

uye iwe uchava ropafadzo.

3 Ndicharopafadza vaya vanokuropafadza,

uye ani naani anokutuka ndichamutuka;

uye marudzi ose ari panyika

acharopafadzwa kubudikidza newe."

Veja também