Publicidade

Gênesis 16

Hagari naIshumaeri

1 Zvino Sarai, mukadzi waAbhurama, akanga asina kumuberekera vana. Asi iye akanga ano murandakadzi wechiIjipita ainzi Hagari; 2 saka akati kuna Abhurama, "Jehovha akandikonesa kubereka vana. Enda hako undovata nomurandakadzi wangu; zvimwe ndingaita mhuri kubudikidza naye."

Abhurama akabvuma zvakanga zvataurwa naSarai. 3 Saka shure kwokugara kwaAbhurama kwamakore gumi muKenani, Sarai mukadzi wake akatora Hagari murandakadzi wake wechiIjipita akamupa kumurume wake kuti ave mukadzi wake.

Veja também

Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_19-25-13-