Isaka naAbhimereki
1 Zvino munyika makanga mune nzara, isati iri nzara iya yakatanga kuvapo panguva yaAbhurahama, uye Isaka akaenda kuna Abhimereki mambo wavaFiristia muGerari. 2 Jehovha akazviratidza kuna Isaka akati, "Usaburuka kuIjipiti; gara munyika yandinokuudza kuti ugare. 3 Gara hako munyika ino kwechinguva, uye ndichava newe uye ndichakuropafadza. Nokuti kwauri nokuzvizvarwa zvako ndichapa nyika iyi yose uye ndichasimbisa mhiko yandakapika kuna baba vako Abhurahama. 4 Ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande senyeredzi dzokudenga uye ndichavapa nyika dzose idzi, uye kubudikidza navana vako ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa, 5 nokuti Abhurahama akanditeerera uye akachengeta zvaidikanwa neni, nemitemo yangu, zvirevo zvangu uye nemirayiro yangu." 6 Saka Isaka akagara muGerari.
7 Vanhu venyika iyo pavakamubvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, "Ihanzvadzi yangu," nokuti akanga achitya kuti, "Mukadzi wangu." Akafunga mumwoyo make achiti, "Vanhu vomunyika muno vangandiuraye nokuda kwaRabheka, nokuti akanaka kwazvo."
8 Isaka akati agara ikoko kwenguva refu, Abhimereki mambo wavaFiristia akatarira pasi napawindo akaona Isaka achitamba nomukadzi wake Rabheka.