Pular para o conteúdo
Publicidade

Genesisi 3

17 Kuna Adhamu akati, "Nokuti wakateerera kumukadzi wako uye ukadya zvakabva pamuti wandakakurayira ndichiti, Haufaniri kuudya,

"Ivhu ratukwa nokuda kwako;

mukushanda kunorwadza,

uchadya zvibereko zvaro

mazuva ose oupenyu hwako.

18 Richakuberekera minzwa norukato,

uye uchadya miriwo yomusango.

19 Neziya rechiso chako

uchadya zvokudya zvako

kusvikira wadzokera kuguruva,

sezvo wakatorwa kwariri;

nokuti uri guruva,

kuguruva uchadzokera."

Veja também