Pular para o conteúdo
Publicidade

Genesisi 6

13 Saka Mwari akati kuna Noa, "Ndava kuzoisa magumo kuvanhu vose, nokuti nyika yazara nokurwisana nokuda kwavo. Zvirokwazvo ndiri kuzovaparadza vose pamwe chete nenyika. 14 Saka iwe zviitire areka yomuti womusipuresi; uite makamuri mukati mayo uye uiname nenamo mukati nokunze. 15 Uku ndiko kuvaka kwaunofanira kuiita: Areka inofanira kureba makubhiti mazana matatu6:15 mamita angaita 140, upamhi hwayo huve makubhiti makumi mashanu6:15 mamita angaita 23 uye makubhiti makumi matatu6:15 mamita angaita 13.5 pakukwirira kwayo. 16 Uite windo uchipoteredza areka ugosiya kubhiti rimwe chete6:16 0.5 yemita kumusoro. Uise mukova parutivi rweareka uye uite muturikidzwa wapasi, wapakati nowapamusoro.

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também