5 Nguva yomutambo yapera, Jobho aituma nhume kundovadana kuti vazonatswa. Aimuka mangwanani-ngwanani achibayira mwana mumwe nomumwe chipiriso chinopiswa, achiti, "Zvichida vana vangu vakatadza uye vakatuka Mwari mumwoyo yavo." Aya ndiwo aiva maitiro aJobho nguva dzose.