Publicidade

Jó 25

Bhiridhadhi

1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:

2 "Kubata ushe nokutyiwa ndezvaMwari;

uye anosimbisa rugare kumusoro-soro kudenga.

3 Mauto ake angaverengwa here?

Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake?

4 Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari?

Ko, munhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei?

5 Kunyange dai mwedzi ukasachena,

uye nyeredzi dzikasava dzakachena pamberi pake,

6 ndoda munhu zvake, iro gonye zvaro,

iye mwanakomana womunhu, anongova gonye zvaro!"

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-