Pular para o conteúdo
Publicidade

Jobho 32

Erihu

1 Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake. 2 Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari. 3 Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa nayo Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva. 4 Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari. 5 Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka.

6 Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati:

"Ndiri muduku pamakore,

uye imi muri vakuru;

ndokusaka ndanga ndichitya,

ndisingadi kukuudzai zvandinoziva.

7 Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura;

makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’

8 Asi ndiwo mweya uri mumunhu,

kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa.

9 Havazi vakuru bedzi vakachenjera,

kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka.

10 "Naizvozvo ndinoti: Nditeererei;

neniwo ndichakuudzai zvandinoziva.

11 Ndakambomirira pamaitaura,

ndakateerera pfungwa dzenyu;

pamakanga muchitsvaka mashoko,

12 ndakanyatsokuteererai.

Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho;

hakuna pamuri akapindura mashoko ake zvinogutsa.

13 Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri;

regai Mwari amukonese, kwete munhu.’

14 Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri,

uye handingamupinduri namashoko enyu.

15 "Vashamiswa uye havachina chokureva;

vapererwa namashoko.

16 Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara,

zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro?

17 Neniwo ndichava nechokutaura;

neniwo ndichareva zvandinoziva.

18 Nokuti ndizere namashoko,

uye mweya uri mandiri unondimanikidza;

19 mukati mangu ndafanana newaini iri muhomwe yakadzivirwa,

sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka.

20 Ndinofanira kutaura kuti ndirerukirwe;

ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura.

21 Handina munhu wandichatsaura,

uye handingabati kumeso munhu upi zvake;

22 nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso,

Muiti wangu aizokurumidza kunditora.

Todos os capítulos de Jobho 42
  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.