1 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti, 2 "Buruka uende kuimba yomuumbi wehari, ndigokupa shoko rangu ikoko." 3 Saka ndakaenda kuimba yomuumbi wehari, ndikamuona achishanda paguyo. 4 Asi hari yaakanga achiumba nevhu yakashatiswa mumaoko ake; saka muumbi akaita imwe hari akaiumba namaumbiro aaiona akanaka.
5 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 6 "Haiwa imba yaIsraeri, handingagoni kuita nemi sezvinoita muumbi wehari uyu here?" ndizvo zvinotaura Jehovha. "Sezvakaita ivhu muruoko rwomuumbi, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imi imba yaIsraeri.