Pular para o conteúdo
Publicidade

Jeremia 47

Chirevo pamusoro pavaFiristia

1 Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Jeremia pamusoro pavaFiristia, Faro asati arwisa :

2 Zvanzi naJehovha:

"Onai kukwira kunoita mvura zhinji yokumusoro;

ivo vachava rwizi runofashukira nesimba.

Vachafukidza nyika nezvose zviri mairi,

maguta navose vanogaramo.

Vanhu vachachema;

vose vanogara munyika vachaungudza

3 pavachanzwa mutsindo wemahwanda emabhiza,

kutinhira kwengoro dzavavengi,

nokurira kwemavhiri adzo.

Madzibaba haangadzoki kuzobatsira vana vavo;

maoko avo acharembera seakaremara.

4 Nokuti zuva rasvika

rokuparadza vaFiristia vose,

uye nokuuraya vose vakasara

vaigona kubatsira Tire neSidhoni.

Jehovha ava pedyo nokuparadza vaFiristia,

vaya vakasara vanobva kumahombekombe eKafitori.

5  richaveura musoro waro mukuchema;

Ashikeroni richati mwiro.

Haiwa, imi vakasara vari pabani,

muchapedza nguva yakadiiko muchizvicheka?

6 "Muchachema muchiti, ‘Maiwe, munondo waJehovha,

uchapedza nguva yakadiiko usati wazorora?

Dzokera mumuhara wako;

mira, unyarare.’

7 Asi ungazorora sei,

Jehovha akaurayira,

sezvo akaurayira

kuti urwise Ashikeroni namahombekombe?"

Lugar Bíblico
Cidade / Povoado
Gaza
Hoje: Gaza
עַזָּהazzahΓάζαGaza
Gaza foi uma cidade dos filisteus, onde o povo cercou Sansão e ficou à espera dele a noite toda, à porta da cidade, para matá-lo ao amanhecer (Juízes 16:2).
31,50° N, 34,46° L
Citado em 22 versículos
Ver página completa
Lugar Bíblico
Cidade / Povoado
Gaza
Hoje: Gaza
עַזָּהazzahΓάζαGaza
Gaza foi uma cidade dos filisteus, onde o povo cercou Sansão e ficou à espera dele a noite toda, à porta da cidade, para matá-lo ao amanhecer (Juízes 16:2).
31,50° N, 34,46° L
Citado em 22 versículos
Ver página completa
Todos os capítulos de Jeremia 52
  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.