14 Ngaritukwe zuva randakaberekwa!
Zuva randakaberekwa namai vangu ngarirege kuropafadzwa!
15 Ngaatukwe munhu akazivisa baba vangu shoko,
iye akaita kuti vafare kwazvo, achiti,
"Waberekerwa mwana, iye mwanakomana!"
16 Munhu uyo ngaave semaguta
akaparadzwa naJehovha asingazvidembi.
Ngaanzwe kuungudza mangwanani,
nokudanidzirwa kwehondo masikati.
17 Nokuti haana kundiuraya ndiri mudumbu,
mai vangu vangadai vari guva rangu,
vairamba vane mimba.
18 Ndakambobudireiko mudumbu
kuti ndione nhamo nokuchema
uye ndigogumisa mazuva angu mukunyadziswa?