Publicidade

Jeremias 29

11 Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu," ndizvo zvinotaura Jehovha, "urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka. 12 Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai. 13 Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose. 14 Ndichawanikwa nemi," ndizvo zvinotaura Jehovha, "uye ndichakudzosai kubva kuutapwa. Ndichakuunganidzai kubva kundudzi dzose nokunzvimbo dzandakanga ndakudzingirai," ndizvo zvinotaura Jehovha, "uye ndichakudzoseraizve kunzvimbo yandakanga ndakubudisai ndichikuendesai kuutapwa."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-