14 "Dzokai, imi vanhu vokusatenda," ndizvo zvinotaura Jehovha, "nokuti ndini murume wenyu. Ndichakusarudzai, ndichatora mumwe chete kubva kune rimwe guta, uye vaviri kubva kuno rumwe rudzi, ndigokuuyisai kuZioni. 15 Ipapo ndichakupai vafudzi vanofadza mwoyo wangu, ivo vachakutungamirirai noruzivo nokunzwisisa. 16 Mumazuva iwayo, pamunenge mawanda zvikuru munyika," ndizvo zvinotaura Jehovha, "vanhu havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha.’ Hazvingazopindi mundangariro dzavo kana kurangarirwa; havazoishuvi, havangagadziri imwezve.
Publicidade
Publicidade