Pular para o conteúdo
Publicidade

Jeremias 31

31 "Nguva inouya," ndizvo zvinotaura Jehovha,

"yandichaita sungano itsva

neimba yaIsraeri

uye neimba yaJudha.

32 Haingazofanani nesungano

yandakaita namadzitateguru avo,

pandakavabata ruoko

kuti ndivabudise munyika yeIjipiti,

nokuti vakaputsa sungano yangu,

kunyange ndakanga ndiri murume kwavari,"

ndizvo zvinotaura Jehovha.

33 "Iyi indiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri

shure kwamazuva iwayo," ndizvo zvinotaura Jehovha.

"Ndichaisa murayiro wangu mundangariro dzavo

uye ndigounyora mumwoyo yavo.

Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.

Veja também