Publicidade

Jó 28

12 "Asi uchenjeri hungawanikwepiko?

Kunzwisisa kunogarepiko?

13 Munhu haanzwisisi kukosha kwahwo;

hahungawanikwi munyika yavapenyu.

14 Pakadzika panoti, Hahuzi mandiri.

Gungwa rinoti, Hahuzi pandiri.

15 Hahungatengwi negoridhe yakaisvonaka,

uye mutengo wahwo haungayerwi nesirivha.

16 Hahungatengwi negoridhe reOfiri,

namatombo anokosha eonikisi kana esafire.

17 Hahungaenzaniswi negoridhe kana kristari,

uye hahungatsinhaniswi nezvishongo zvegoridhe.

18 Korari nejasipa hazvingatongorehwi;

mutengo wouchenjeri unokunda maparera.

19 Topazi yeEtiopia haingaenzaniswi nahwo;

hahungatongotengwi negoridhe rakaisvonaka.

20 "Zvino uchenjeri hunobvepiko?

Kunzwisisa kunogarepiko?

21 Kwakavanzirwa meso ezvipenyu zvose,

zvakavigwa kunyange kushiri dzedenga.

22 Kuparadza noRufu zvinoti,

Runyerekupe rwahwo chete ndirwo rwakasvika munzeve dzedu.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-