Pular para o conteúdo
Publicidade

Jobho 38

4 "Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika?

Ndiudze, kana uchinzwisisa.

5 Ndianiko akatara miganhu yacho?

Zvirokwazvo unozviziva!

Ndianiko akaiyera nerwodzi?

6 Ko, nheyo dzayo dzakanga dzimire pai,

kana kuti ndianiko akaisa ibwe rapakona,

7 panguva yaiimba nyeredzi dzamangwanani pamwe chete,

uye vanakomana vaMwari vose vachipembera nomufaro?

8 "Ndianiko akapfigira gungwa mikova

parakatsemuka richibva muchizvaro,

9 pandakaita makore kuti ave nguo yaro,

uye ndikariputira murima guru,

10 pandakariisira miganhu yaro,

uye ndikaisa makonhi aro namazariro panzvimbo yawo,

11 pandakati, Apa ndipo paunosvika uye haungapfuuri;

pano ndipo panoguma kuzvikudza kwamafungu ako?

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também