Pular para o conteúdo
Publicidade

Lucas 6

6 Rimwezve Sabata akapinda musinagoge uye aidzidzisa, zvino pakanga pano murume akanga ano ruoko rwake rworudyi rwakanga rwakakokonyara. 7 VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizoporesa nomusi weSabata. 8 Asi Jesu aiziva zvavaifunga uye akati kumurume akanga ano ruoko rwakakokonyara, "Simuka umire pamberi pavanhu vose." Saka iye akasimuka akamira ipapo.

9 Ipapo Jesu akati kwavari, "Ndinokubvunzaiwo kuti chiiko chinobvumirwa kuitwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu kana kuhuparadza?"

10 Akatarisa kwavari vose, ndokuti kumunhu uya, "Tambanudza ruoko rwako." Iye akaita saizvozvo, uye ruoko rwake rukatwasanuka.

Veja também