Pular para o conteúdo
Publicidade

Revhitiko 12

Kucheneswa mushure mokubereka mwana

1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 "Uti kuvaIsraeri, ‘Mukadzi akava napamuviri akabereka mwanakomana, achava asina kuchena kwamazuva manomwe, sezvaanova asina kuchena paanoenda kumwedzi. 3 Pazuva rorusere mukomana uyo anofanira kudzingiswa. 4 Zvino mukadzi anofanira kumirira mazuva makumi matatu namatatu kuti acheneswe pakubuda ropa kwake. Haafaniri kubata chinhu chipi zvacho chitsvene kana kusvika kunzvimbo tsvene kusvikira mazuva okucheneswa kwake apera. 5 Kana akabereka mwanasikana, kwevhiki mbiri mukadzi achava asina kuchena sepaanoenda kumwedzi. Ipapo anofanira kumira mazuva makumi matanhatu namatanhatu kuti acheneswe kubva pakubuda ropa.

6 " ‘Kana mazuva okucheneswa nokuda kwomwanakomana kana mwanasikana apera, anofanira kuuya kumuprista pamusuo weTende Rokusangana, negwayana rine gore rimwe chete sechipiriso chinopiswa nehangaiwa diki kana njiva yechipiriso chechivi. 7 Achazvibayira pamberi paJehovha kuti agomuyananisira, achava akacheneswa kubva pakubuda ropa kwake.

" ‘Iyi ndiyo mirayiro yomukadzi anobatsirwa nomwanakomana kana mwanasikana. 8 Kana asingakwanisi kuuya negwayana, anofanira kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri, imwe yechipiriso chinopiswa imwe yechipiriso chechivi. Nenzira iyi muprista achamuyananisira uye achava akachena.’ "

Todos os capítulos de Revhitiko 27
  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.