22 Ipapo mumwe wavabati vomusinagoge, ainzi Jairosi, akasvikapo. Paakaona Jesu akawira patsoka dzake 23 uye akamukumbirisa zvikuru achiti, "Mwanasikana wangu mudiki ava kufa. Ndapota uyai muise maoko enyu pamusoro pake kuti agoporeswa uye ararame." 24 Saka Jesu akaenda naye.
Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana.