Publicidade

Mateus 13

3 Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, achiti, "Murimi akabuda kundokusha mbeu dzake. 4 Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, shiri dzikauya dzikadzidya. 5 Dzimwe dzakawira parukangarahwe, padzakashaya ivhu rakakwana. Dzakamera nokukurumidza nokuti ivhu rakanga risina kudzika. 6 Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakatsva dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi. 7 Dzimwe mbeu dzakawira muminzwa, minzwa ikakura ikadzivhunga. 8 Dzimwewo mbeu dzakawira pavhu rakanaka, dzikabereka zvakapetwa kazana, kana zvakapetwa makumi matanhatu kana makumi matatu pane dzainge dzakushwa. 9 Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-20_17-16-08-