Kukereke iri muSadhisi
1 "Kumutumwa wekereke iri muSadhisi nyora kuti:
Aya ndiwo mashoko aiye akabata mweya minomwe yaMwari nenyeredzi nomwe.
Ndinoziva mabasa ako; unonzi uri mupenyu, asi wakafa. 2 Muka! Simbisa zvakasara zvoda kufa, nokuti handina kuwana mabasa ako akakwana pamberi paMwari wangu.