17 Kuna Adhamu akati, "Nokuti wakateerera kumukadzi wako uye ukadya zvakabva pamuti wandakakurayira ndichiti, ‘Haufaniri kuudya,’
"Ivhu ratukwa nokuda kwako;
mukushanda kunorwadza,
uchadya zvibereko zvaro
mazuva ose oupenyu hwako.
18 Richakuberekera minzwa norukato,
uye uchadya miriwo yomusango.