Pular para o conteúdo
Publicidade

Genesisi 45

Josefa Anozvizivisa

1 Ipapo Josefa akanga asisagoni kuzvidzora pamberi pavashandiri vake vose, uye akadanidzira akati, "Munhu wose ngaabve pamberi pangu!" Saka pakanga pasisina mumwe munhu pana Josefa paakazvizivisa kuhama dzake. 2 Uye akachema zvikuru kwazvo zvokuti vaIjipita vakamunzwa, uye veimba yaFaro vakanzwa nezvazvo.

3 Josefa akati kuhama dzake, "Ndini Josefa! Ko, baba vangu vachiri vapenyu here?" Asi hama dzake hadzina kugona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake.

Veja também