9 Uri mwana weshumba, iwe Judha;
unodzoka kubva kune zvaunouraya, mwana wangu.
Seshumba anonyangira uye anovata pasi,
seshumbakadzi, ndiani anotsunga kumumutsa?
10 Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha,
uye mudonzvo womutongi pakati pamakumbo ake,
kusvikira asvika kumuridzi wawo,
uye kuteerera kwendudzi ndokwake.