12 Ndakaaudza kuti, "Kana muchiona zvakanaka, ndipei muripo wangu, asi kana zvisina, uchengetei." Nokudaro vakandipa mubayiro wangu wamakumi matatu esirivha.
13 Jehovha akati kwandiri, "Ikande kumuumbi wehari, muripo wakanaka wavakanditenga nawo!" Saka ndakatora makumi matatu esirivha aya ndikaakanda muimba yaJehovha kumuumbi wehari.