Publicidade

2 João 1

1 Kubva kumukuru

Kumukadzi adosarudziwa naMwari nokuvana vache, vandinoda pachokwadi, aikona inini ndega, asi novese vanoziva chokwadi, 2 ndava chokwadi chacho chinogara matiri futi chichava naisisu nokusingapere.

3 Mutsa, notsitsi norugare, zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Jesu Khirisitu, Mwanakomana waBaba, zvichava naisisu muchokwadi nomurudo.

Chokwadi Norudo

4 Zvidondipasa mufaro mukuru kuwana vamwe vana vako vachitekaira muchokwadi sezvidoraihwa naMwari. 5 Mukadzi, ndinokukumbiritsa zvino, handisi kukunyorera murairo mutsva, asi uye watanga tinawo kubva pakuthanga, wokuti tive vanodanana. 6 Zvino rudo ndiri, rokuti titetekere mirairo yache, fanike zvaudonzva kubva pakuthanga, kuti mutevere rudo.

7 Nokuti vanyengeri vazinji vadopinda munyika, vanhu vasingatambire kuuya kwaJesu Khirisitu panyama. Wese adodaro munyengeri nomupikisi waKirisitu. 8 Zvichenjererei kuti mureke kupukunyukiwa nozvamudoshandira, asi kuti mupasiwe mubairo udozara. 9 Wese anopinimidza pamberi asingagare mudzidziso yaKhirisitu haanai Mwari. Wese anoramba ari mukudzidzisa kwaKhirisitu anovese, Baba noMwanakomana. 10 Kana umwe munhu akauya kwamuri asinai kudzidzisa kwakareku, rekai kumutambira kana kumupinza mumba menyu, 11 wese anomutambira anokovana naye mumabasa yache yadoipa.

Mazvi Yokupedzisira

12 Kunyange zvazvene ndino zvidowanda zvokukunyorerai, ndinosarura kureka kushandisa pepa noingi, asi ndinotarisira kuuya kuti tinyaire tidonangarana chiso nochiso, kuti mufaro wedu uve udozara.

13 Vana vomukoma wako adosaruhwa naMwari vanokumoresa.

Veja também

Publicidade
2 João
Ver todos os capítulos de 2 João
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-