Publicidade

1 João 5

Kukunda Kwedu Nyika

1 Wese anotenda kuti Jesu ndiKhirisitu wakareyo adoberekewa naMwari, nowese anoda mubereki anodawo mwana. 2 Tinoziva nozvakarezvi kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari nokutetekera mirairo yache. 3 Nokuti rakareri ndiro rudo raMwari, kuti tichengete mirairo yache. Futi mitemo yache haireme. 4 Ndava wese adozvahwa naMwari anokunda nyika. Uku ndiko kukunda kunokunda nyika iko kutenda kwedu. 5 Mbani anokunda nyika, kana asiri iyeyo anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari?

Upfakazi Pamusoro PaJesu Khirisitu

6 Iyeyu ndiye adouya nomvura nogazi, Jesu Khirisitu, haanai kundouya nomvura basi, asi adouya nomvura nogazi. Futi Mweya ndiye anopfakaza, nokuti Mweya ndiye Chokwadi. 7 Nokuti pano zvitatu zvinopfakaza. 8 Mweya, mvura nogazi, zvitatu zvakarezvi zvinotenderana. 9 Kana tichitambira upfakazi hwovanhu, upfakazi hwaMwari mbukuru kukunda hwovanhu, ndava upfakazi hwache ndohuye hwaadopfakaza pamusoro poMwanakomana wache. 10 Wese anotenda muMwanakomana waMwari anenge achitotambira upfakazi hwakarehu. Wese asingatende Mwari anomuita womabhwodo, ndava haanai kutenda upfakazi hudopasiwa naMwari pamusoro poMwanakomana wache. 11 Futi uhu ndihwo upfakazi hwokuti, Mwari adotipasa upenyu husingapere. Upenyu hwakarehu huri muMwanakomana wache. 12 Wese ano Mwanakomana anoupenyu, asi wese asinai Mwanakomana waMwari haanai upenyu.

Upenyu Husingapere

13 Ndiri kunyora zvakarezvi kwamuri vanotenda muzita roMwanakomana waMwari kuti muzive kuti munoupenyu husingapere. 14 Kwakareku ndiko kuvimba kwatinako maari, kuti kana tichikumbira chinhu chipi zvachene chinoenderana nozvaanoda, anotinzva. 15 Futi tikaziva kuti anotinzva panozvese zvatinomuruvira, tinoziva kuti tava nozvese zvatinokumbira.

16 Wese anoona hama yache ichiita chitadzo chisingakonzere ipfa, mbaamunamatire, futi Mwari achamupasa upenyu hunopasiwa avo vanoita zvitadzo zvisingakonzere ipfa. Panochitadzo chinokonzera ipfa, ndinonyairaba kuti anamate pamusoro pochakarecho. 17 Kunyangadza kwese ndicho chitadzo, asi kunochitadzo chisingapinze muipfa.

18 Tinoziva kuti wese adozvahwa naMwari haarambe achitadza, asi uyo adozvahwa naMwari, anochengetedzewa naye, adoipa haagone kumukanganisa. 19 Tinoziva kuti tiri vache Mwari, futi kuti nyika yese iri pasi posimba roadoipa. 20 Futi tinoziva kuti Mwanakomana waMwari adouya kotipasa kunzvitsitsa, kuitira kuti timuzive iye anova chokwadi, futi tiri maari iye anova chokwadi, muMwanakomana wache Jesu Khirisitu. Ndiye Mwari wochokwadi noupenyu husingapere.

21 Vana vadiki, zvichengetei kubva kuzvifananidzo.

Veja também

Publicidade
1 João
Ver todos os capítulos de 1 João
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-