1 Onai kukura kworudo ratidopasiwa naBaba, rokuti tiitiwe vana vaMwari! Izvozvi ndizvo zvatiri peno! Chikonzero chinoita kuti nyika isaye kutiziva nyhokuti hainai kumuziva iye. 2 Hama dzinodiwa, izvozvi tiri vana vaMwari, futi hazvinati zvanangidziwa kuti tichava vadoita tini. Asi tinoziva kuti Khirisitu paanooneka, tichafanana naye, ndava tichamuona sezvaadoita chaizvo. 3 Wese anotariro yakarei maari anozvichenesa fanike machenero yaadoita.
4 Wese anoita zvitadzo anomurandu wokuchora mutemo, chitadzo nghuchora mutemo. 5 Munoziva kuti iye adooneka kuti abise zvitadzo, maari hamunai chitadzo. 6 Hapanai anogara maari anoramba achimbondoita zvitadzo. Hapanai anoramba achimbondotadza kana adomuona kana kumuziva.
7 Hama dzinodiwa, rekai kutsambutsiwa noumwe munhu. Uyo anoita zvidorurama adorurama, fanike iye adorurama. 8 Uyo anoita zvitadzo ngwajabhurosi, ndava jabhurosi wanga achindoita zvitadzo kubva pakuthanga. Chikonzero Mwanakomana waMwari chaadonangidzihwa pachenu nyhokuti aparadze mabasa yajabhurosi.
9 Hapanai adozvahwa naMwari anoramba achitadza, ndava mbeu yaMwari inogara maari, anokonaba kutadza ndava adozvahwa naMwari. 10 Ndipo panomutsauko watinoziva nawo vana vaMwari novana vajabhurosi. Wese asingaite zvidorurama haazi mwana waMwari, futi naiyewo anozonda hama yache.
11 Ndava rakareri ndiro shoko ramudonzva kubva pakuthanga, rokuti tinofanira kudanana. 12 Aikona kuita kunge Khaini wanga ari woadoipa, futi adopunza munin'ina’ina wache. Ko adomupunzirei? Adomupunza nondava yokuti mabasa yache pachake yanga yadoipa asi yomunin'ina wache yanga yadonaka.
13 Hama dzinodiwa, rekai kushamisika kana nyika ichikuzondai. 14 Tinoziva kuti tabirika kubva muipfa tichienda muupenyu, ndava tinoda hama. Wese asinai rudo anogara muipfa. 15 Wese anozonda hama yache imhondi, futi munoziva kuti hapanai mhondi inoupenyu husingapere. 16 Yakareya ndomaziviro yatinoita rudo, kuti Jesu Khirisitu adopasa upenyu hwache pamusaka pedu. Naisisuwo tinofanira kupereka upenyu hwedu nokuda kwohama. 17 Kana munhu anozvinhu zvinobatsira akaona hama yache isinai, akareka kumunzvira tsitsi, rudo raMwari ringagare tini mumunhu wakareyo? 18 Vana vadiki, mbatirekei kuda nomazvi kana nokundonyaira basi, asi mbapave nozviito nochokwadi.
19 Aya ndomaziviro yatingaite kuti tiri muchokwadi, nokudekhadza mwoyo yedu pamberi pache, 20 pese patinopasiwa mhosva nomwoyo yedu, tinoziva kuti Mwari mukuru kukunda mwoyo yedu, futi anoziva zvinhu zvese. 21 Hama vadiwa, kana mwoyo yedu dzisingatipase mhosva, tinochivimbo pamberi paMwari, 22 futi tinotambira kubva kwaari zvese zvatinoruvira, ndava tinochengeta murairo wache tichiita zvinomufadza. 23 Futi uyu ndiwo murairo wache, wokuti titende kuzita roMwanakomana wache, Jesu Khirisitu, futi kuti tidanane sezvaadotiraira. 24 Vese vanochengeta mirairo yache vanogara maari naiye mavari. Nozvakarezvi tinoziva kuti anogara matiri noMweya waadotipasa.