1 Hama dzangu, rekai kutenda mweya yese yese, asi edzai mweya kuti muzive kana iri yaMwari. Ndava vaporofiti vazinji vomabhwodo vadopinda munyika. 2 Zvakarezvi ndizvo zvamunoziva nazvo Mweya waMwari, mweya wese unopfakaza kuti Jesu Khirisitu adouya panyama ndiye Mweya anobva kuna Mwari, 3 asi mweya wese usingapfakazire Jesu haubve kuna Mwari. Wakareyo ndiwo mweya mupikisi waKirisitu, wamudonzva kuti uchauya, kana naipopano watova munyika.
4 Imi vana, muri vaMwari, futi mudovakunda, ndava uyo ari mamuri adokuritsa kukunda ari munyika. 5 Ivo mbonyika ndosaka vachinyaira zvomunyika, futi nyika inovatetekera. 6 Tiri vaMwari. Wese anoziva Mwari anotitetekera, asi wese asingabve kunaMwari anotitetekeraba. Tinoziva nozvakarezvi kuti Mweya wochokwadi nomweya womabhwodo ngupi.
7 Hama dzangu, mbatidananei, ndava rudo runobva kuna Mwari. Wese anorudo adozvahwa naMwari, futi anoziva Mwari. 8 Wese asingade anozivaba Mwari, ndava Mwari rudo. 9 Munozvakarezvi rudo raMwari ridonangidziwa pakati pedu, kuti Mwari adotumira panyika Mwanakomana wache mubodzi, kuti tirarame kuburikidza naye. 10 Rakareri ndiro rudo, aikona kuti tidoda Mwari, asi kuti iye adotida ndokutuma Mwanakomana wache kuti ave chibairo chozvitadzo zvedu.
11 Hama dzangu, sezvo Mwari adotiditsa daipa, tinofanira kudananawo pakati pedu. 12 Hapanai adomboona Mwari, asi kana tikava norudo pakati pedu, Mwari anogara matiri futi rudo rache rinozazisiwa matiri.
13 Nozvakarezvi tinoziva kuti tinogara maari naiye anogara matiri, ndava adotipasa Mweya wache. 14 Futi tidoona ndokupasa upfakazi hwokuti Baba vadotuma Mwanakomana wavo kuti ave Muponisi wonyika. 15 Munhu wese anopasa upfakazi hwokuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiyewo muna Mwari. 16 Saka tinoziva futi tinotenda rudo raMwari kwatiri.
Mwari rudo, uyo anogara murudo anogara muna Mwari naMwari anogara maari. 17 Munozvakarezvi rudo rinozazisiwa pakati pedu, kuti tive nochivimbo pazuva rokutongewa, ndava fanike zvaadoita iye ndizvo zvatidoitawo panyika ino. 18 Hapanai kucha murudo, asi rudo ridokwana rinodzingidza kucha. Ndava kucha kunochokuita nokutongewa. Wese anocha haanai kukwana parudo.
19 Tinoda nokuti adothanga kutida. 20 Kana umwe munhu achiti, "Ndinoda Mwari," achizonda hama yache, anobhwodoka, ndava uyo asingade hama yache yaanoona, haangade Mwari waasinai kuona. 21 Futi murairo wakarewu tidoupasiwa naye, wokuti uyo anoda Mwari mbaadewo hama yache.