1 Izvozviye zvanga zviripo kubva pakuthanga, zvatidonzva nokuona nomeso yedu, zvatidonangara, futi zvatidobata nomanja yedu, zvoshoko roupenyu, 2 upenyu hudoisiwa pachenu, futi tidohuona, tinopfakaza pamusoro pahwene, tichikuparidzirai upenyu husingapere, hwanga huri muna Baba futi hudodzonangidziwa kwatiri. 3 Zvatidoonazvo nokunzva tinokuparidziraiwo, kuti muwadzane naisisu, futi kuwadzana kwakareko mhwedu naBaba noMwanakomana wache, Jesu Khirisitu. 4 Zvakarezvi tiri kuzvinyorera kuti mufaro wedu uzare.
5 Rakareri ndiro shoko ratidonzva kubva kwaari ratinokuparidzirai, rokuti Mwari ndiye chiedza futi maari hamunai kana norima rese. 6 Kana tichiti tinowadzana naye asi tichitekaira murima, tinenge tichibhwodoka peno, tisingagare muchokwadi, 7 asi kana tichitekaira muchiedza, fanike iye pachake ari muchiedza, tinowadzana pachedu, futi gazi raJesu Mwanakomana wache rinotinatsa pazvitema zvese.
8 Kana tichiti hatinai zvitadzo, tinenge tichizvinyepera, futi chokwadi hachisi matiri. 9 Kana tikareurira zvitadzo zvedu, iye adotendeka futi adorurama, saka anotiregerera zvitadzo zvedu nokutinatsa pazvese zvisinai kururama. 10 Kana tikati hatinai kutadza, tinomuita womabhwodo, noshoko rache rinenge risiri matiri.