Publicidade

2 Pedro 3

Chivimbiso choKuuya kwaIshe

1 Vadikani, iri rava tsamba rangu rochipiri kwamuri. Mayari yese ndidonyora iri yeuchidzo yokukumutsai mufungo udochena, 2 ndinoda kuti muyeuke mashoko yadonyaihwa mumasure novaporofiti, nomurairo waIshe naMuponisi kuburikidza nonhumwa dzenyu. 3 Chokuthanga, munofanira kunzvitsitsa kuti mumazuva yokupedzisira vaseki vachauya vachiseka nokuzvidza. Vachitevera zvido zvavo zvidoipa 4 vachiti, "Chiri poi chivimbiso chokuuya kwache? Ndava chipfiro chidoita madzibaba yedu, zvinhu zvese zviri paugariro hwazvene kubva pachisikihwo!" 5 Vanokangamwa utova kuti matenga nonyika zvanga zviripo kare zvidoitiwa noshoko raMwari, nonyika idoitiwa nomvura uye kubva mumvura, 6 futi kuburikidza nomvura yakareyo nyika yanga iripo idonyudziwa nokuparadziwa. 7 Noshoko ribodzibodziro matenga nonyika zvazvino zvidochengetehwa zuva rokutonga norokuparadziwa kwovanhu vasinai umwari.

8 Hama dzinodikana rekai kukangamwa chinhu ichi chibodzi, kuti kuna Mwari zuva ribodzi rinenge chiuru chomakore nochiuru chomakore chinenge zuva ribodzi. 9 Ishe anochehwaba pachivimbiso chache semanzvitsitsiro yovamwe vanoti nghuchehwa, asi anomwoyo murefu nemi, anodaba kuti pawane anoparara, asi kuti vese vasvike pakupinduka.

10 Asi zuva raIshe richauya sembavha. Ipopo matenga yachapfuura noruzha rikuru, nozvinhu zviri kumatenga zvichanyungudutsiwa nomoto, nonyika nomabasa yese yari mairi yachatsva. 11 Sezvo zvinhu zvese zvazvichaparara daipa, munofanira kuva vanhu vadoita tini? Munofanira kurarama upenyu hutsvene hunoumwari, 12 mudomirira zuva raMwari rinokurumidza kusvika. Zuva rakarero richauyisa kuparadziwa nomoto kwomatenga, nozvinhu zvayene zvichanyungudika nochithuthu chikuru. 13 Asi maererano nochivimbiso chache tinotarisira denga ritsva nonyika itsva, munogara kururama.

14 Saka, hama dzangu, sezvo mudomirira zvakarezvi, edzai chaizvo kuti akuwanei musinai dondorozi kana chamunonenehwa, uye munorugare naye. 15 Mbazvive mupfungwa dzenyu kuti mwoyo murefu waIshe wedu unoreva ruponiso, sezvamudonyorehwa naPhauro hama yedu inodikana muuchenjeri hwaadopasiwa naMwari, 16 anonyora nonzira ibodzibodziyo mutsamba dzache dzese, achinyaira zvinhu zvakarezvi madziri. Tsamba dzache dzinozvinhu zvidooma kunzvitsitsa, izvo zvinophidigutsiwa novasingazive novasinai kudiha, sezvavanoita noyamwe Magwaro kuti vaparadziwe nazvo.

17 Nokudaro, hama dzangu, sezvo izvi muchizviziva, chenjererai kuti mureke kukukuhwa nokuphonya kwovanhu vasingachengete mutemo muchiwa kubva panzvimbo yamudochengeteka. 18 Asi kurai pamutsa nomuruzivo raIshe wedu naMuponisi Jesu Khirisitu. Kwaari mbakuve kubhwinya kubva zvino nokusingapere! Ameni.

Veja também

Publicidade
2 Pedro
Ver todos os capítulos de 2 Pedro
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_06-50-08-