Publicidade

2 Pedro 1

1 Kubva kuna Simoni Pita, muranda nonhumwa yaJesu Khirisitu.

Kuno avo vadotambira kutenda kunokosha kudoenzana nokwedu mukururama kwaMwari wedu noMuponisi Jesu Khirisitu.

2 Mutsa norunyararo mbazviingidzihwe kwamuri kuburikidza nokuziva Mwari naJesu Ishe wedu.

Kudaidza kwaMwari noSarudzo

3 Masimba yache youmwari yadotipasa zvese zvatinoda muupenyu hwoumwari kuburikidza nokumuziva iye adotidaidza nokubhwinya nokunaka kwache. 4 Kuburikidza nozvakarezvi adotipasa zvivimbiso zvache zvikuru zvinokosha, kuitira kuti kuburikidza nazvo mupukunyuke kubva pahuori huri munyika hunokonzehwa nozvido zvidoipa mukovehwe umwari. 5 Nochikonzero chakarechi, edzai nopamunokona napo pese, kuti muingidzire buya pakutenda kwenyu, nopabuya ruzivo, 6 noparuzivo kuzvidzora, nopakuzvidzora kuchiirira, nopakuchiirira umwari, 7 nopaumwari kufarira abiyenyu, nopakufarira vabiyenyu rudo. 8 Ndava kana zvinhu zvakarezvi munazvo zvichimbondoingidzika, zvichakubisai pakuva vanhu vadondogara vasinai zvibereko pakuziva kwenyu Ishe wedu Jesu Khirisitu. 9 Ndava kana munhu asinai zvakarezvi, irombe risingaone kurefu, futi wakangamwa kuti adosukiwa zvitema zvache zvomumasure.

10 Saka, hama dzangu, edzai zvidosimba kuti kudaidziwa nokusaruriwa kwenyu kuve pachokwadi. Ndava kana muchiita zvinhu zvakarezvi, munombweraba, 11 futi muchanyanyitsa kutambihwa muumambo hwokusingapere hwaIshe naMuponisi wedu Jesu Khirisitu.

12 Saka ndichida kukuyeuchidzai zvinhu zvakarezvi nguwa dzese, kana zvenyu muchizviziva uye mudomira zvidosimba muchokwadi chamunacho zvino. 13 Ndinofunga kuti zviri mushe kana ndichiri mumuiri uno kuti ndimutsiridze kufunga kwenyu. 14 Sezvo ndichiziva kuti kusunhuriwa kwangu pamuiri uno kwava papfupi, sezvandidonangidziwa naIshe wedu Jesu Khirisitu. 15 Ndichaita zvese zvandinokona kuti kana ndaenda mudzokwanisa kuramba muchiyeuka zvinhu zvakarezvi nguwa dzese.

Pfakazi Dzidoona Kubhwinya kwaKhirisitu

16 Patidokuzivisai zvosimba nokuuya kwaIshe wedu Jesu Khirisitu, hatinai kutevera zvinzano zvidopakasiwa nouchenjeri, asi taitova pfakazi dzidoona ukuru hwache. 17 Ndava paadotambira kuremekedzewa nokubhwinya kubva kuna Mwari Baba, izvi ridouya kwaari noKubhwinya Kukuru, richiti, "Wakareyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoditsitsa ndinofadziwa naye maninge," 18 isisu pachedu tidorinzva izvi rakareri ridobva kudenga tinaye pagomo rinoyera.

19 Pakare tinoshoko rochiporofiti rino chokwadi chikuru, futi munoita mushe kana muchiritetekera, semwenje unovhenekera murima, kusvikira kwaakuda kuchena nonhanda yabirika ichivhenekera mumwoyo yenyu. 20 Chokuthangitsitsa munofanira kunzvitsitsa kuti hapanai Gwaro rochiporofiti ridondouya nokurapanura kwomunhu, 21 ndava chiporofiti hachinai kuvamba kubva pachido chomunhu, asi vanhu vainyaira zvichibva kuna Mwari vachitungamihwa naMweya Mutsvene waMwari.

Veja também

Publicidade
2 Pedro
Ver todos os capítulos de 2 Pedro
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-