Publicidade

2 Pedro 2

Vadzidzisi Vomabwodo

1 Asi vaporofiti vomabwodo vadomukawo pakati povanhu, sezvavachavapowo vadzidzisi vomabwodo pakati penyu. Vachapinza kabisira dzidziso dzinoparadza, vachitoramba naIshe adovatenga, vachizvikokera kuparadziwa kunosvika chivhurumukira. 2 Vazinji vachatevera nzira dzavo dzinonyadzisa, nondava yavo nzira yochokwadi ichashohwa. 3 Panhafu yavo vadzidzisi vakareva vachakutsotsai nomashoko yomabwodo. Kutongewa kwavo kudovapo kare, uye kuparadziwa kwavo kudotosumudza musoro.

4 Mwari haanai kuregerera ngirozi pakutadza kwadzidoita, asi adodzikhandira mugehena, ndokudziisa mumakomba yorima, kuti dzichengetewe kusvikira pakutongewa. 5 Futi haanai kusiya nyika yokare paadouyisa mafashamu pavanhu vadoipa, asi adoponesa Nowa, muparidzi wokururama, novamwe vanomwe. 6 Mwari adotonga maguta yoSodhoma noGomora nokuyapisa yachiva rota, achiyaita muenzaniso wozvichadzoitika kuno vasinganamate. 7 Adonunura Roti, murume adorurama, wanga wasembuhwa noupenyu hwoutsambwa hwovanhu vasinai mutemo. 8 Munhu iyeyo adorurama, waigara pakati pavo zuva nozuva, waitsvisiwa mwoyo wache udorurama nondava yozviito zvokusakudza Mwari zvaaiona nokunzva. 9 Izvozvi zvinonangidza kuti Ishe anoziva manunuriro yaanoita munamati kubva pamiedzo nokuchengeta vasinai kururama vari pamurango kusvikira pazuva rokutongwa, 10 kunyanyitsa vaye vanotevera kuchiva kwoutsambwa hwomuviri yavo vachishora vanomasimba.

Havache, vanochivindi, vanoda kushora vaye vanokubhwinya. 11 Ngirozi, kana zvadzene dzinosimba rikurufuti hadzinenere mhosva vanhu vadodai pamberi paIshe. 12 Asi vanhu vakareva vanenge mhuka dzisinai hwenye, dzidosikihwa kubatiwa nokubaiwa, vanoshora zvinhu zvavasinganzvitsitse. Vachaparadziwawo kunge mhukadzo, 13 vachitambudzika nokuda kwokutadza kwavo. Vanofarira kuita zvinovagutsa masikati machena, madondorozi yanoshoreka pavanobatana naimimi pakuja! 14 Vanomeso yadozara upombwe, vanorekeraba kutadza, vano mwoyo idopingudzihwa nhafu. Vanofurira vasinai kutsiga mbana vadoshurikidziwa! 15 Vadosiya nzira idorungama ndokutetereka vachitevera nzira yaBharamu mwanakomana waBhoeri, waifarira mubairo wozvidoipa. 16 Asi manje pakunyangadza kwacheko adodzumiwa noburu, chipuka chisinganyaire, chidonyaira nodzinga romunhu chichirambidza kupenga kwomuporofiti.

17 Vanhu vakareva nzvithubu zvisinai mvura nopfurere inogwididzihwa noduthu. Rima ridosvipitsaro ndiro ravadochengetehwa. 18 Nokuti nokuzvikudza vanonyaira zvoudzemwa, vachifurira vatsva vachandopunyuka kubva panovanorarama mukutadza kunodiwa nomuviri. 19 Vanovavimbisa rusununguko, asi ivo pachavo vari varanda vouori, ndava chese chinokurira munhu, wava muranda kwachiri. 20 Ndava kana vadombopukunyuka tsambwa yomunyika kuburikidza nokuziva Ishe wedu noMuponisi Jesu Kirisitu, vakadzokundiwa vachisungiwa nayo kamu, pakupedzisira vanenge vasokokerafuti kukunda pakuthanga. 21 Ndava zvanga zvichitova hasa kwavari dai vasinai kuziva nzira yokururama, panokuti vabva kuiziva vodzoperekera gotsi kukuraira kutsvene kwavadopasiwa. 22 Zvidoitika kwavari setsumo inoti, "Imbwa inodzokera kumarutsi yayene, nohumba yanga yashambidziwa inodzokera pakuumburuka mumatope."

Veja também

Publicidade
2 Pedro
Ver todos os capítulos de 2 Pedro
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-