1 Ndinokumbira vakuru vari pakati penyu, semukuru biyavo, ndiriwo pfakazi yokutambudzika kwaKhirisitu nouyo achakovehwa kubhwinya kucharatidziwa. 2 Risai boka raMwari riri pasi penyu. Itai zvakarezvo aikona nokusukumidziwa, asi nokuti munoda, sezvinodiwa naMwari kuti muite, musingaitire nhafu yokuda mari, asi chido chokushumira. 3 Musingaremedze vamunotungamira, asi muve mienzaniso kuboka. 4 Uye pachaonekwa Nyakabusa Mukuru muchatambira korona yokubhwinya isingaumbuke.
5 Saizvozvowo imipa vadiki nonzira ibodzibodziyo zviisei pasi povakuru. Mese zvenyu zvisimidzei kuzvininipisa, umwe kuno umwe, nokuti, "Mwari anopikisana novanozvikudza, asi anopasa mutsa kuno vanozvininipisa." 6 Saka zvininipisei, pasi pojanja raMwari romasimba, kuti akusumudzirei panguwa idofanira. 7 Thurirai paari kunetseka kwenyu kwese ndava iye anohanya naimimi.
8 Ivai vadopengenuka mungwarire! Muvengi wenyu jabhurosi anofamba achidzvova kunge mhondoro inotsvaga waingaje. 9 Murambidzei, mudomira zvidosimba pakutenda, ndava munoziva kuti kutambudzika kudodaroko kuri kuitikawo kuhama dzenyu dziri pasi pese. 10 Uye mumasure mokushupika kwonguwa ipfupi, Mwari wonyasha adokudaidzirai kubhwinya kwache kusingapere, iye pachake achakudzoreredzai, akutsigirei nokukusimbisai. 11 Kwaari mbakuve nomasimba nokusingaperepere. Ameni.
12 Ndanyora tsamba rakareri ripfupi ndichibatsihwa naSirivhanasi, hama yandinoti idotendeka, kuti ndikukurudzirei uye ndipase upfakazi kuti uyu mutsa waMwari pachokwadi, mirai mudosimba mauri.
13 Kherekhe iri kuBhabhironi, idosarudziwa pabodzi naimimi, yati tikumoresei, ndomwenze naMariko kamu mwanakomana wangu. 14 Moresanai nokutsvoda kworudo.
Rugare kwamuri mese muri muna Khirisitu.