1 Sezvo Khirisitu adotambudzika mumuviri wache, naimipawo zvigadzirirei kuva nopfungwa dzakaredzo, ndava wese watambudzika mumuviri warekera chitema, 2 zvoita kuti, muupenyu hwache hwese ararame mukuda kwaMwari, areke kudzorarama muzvido zvidoipa zvonyama. 3 Ndava nguwa idokwana yamaiita zvinodiwa novasiri vatendi uye idodarika kare pamairarama muundururani, kuchiva, kuredzera, mapira, kufumuka, nokushopera kunosemesa. 4 Vanoshamisika kuti hamubatane navo pakusazvibata kwavo, vobva vakunyombai, 5 asi vachazvidairira kuna iye adogadzirira kutonga vapenyu novadopfa. 6 Chakarechi ndicho chikonzero vhangeri ridoparidziwa kuno vadopfa, kuitira kuti kana vatongewa nonzira yovanhu vari mumuviri, asi vararame mumweya kunge Mwari.
7 Kuguma kwozvinhu zvese kwava papfupi, nokudaro ivai nopfungwa dzidojeka muchizvidzora kuti mugone kunamata. 8 Pamusoro pozvese, dananai zvidokungudza, sezvo rudo runofukidza zvitadzo zvizinji. 9 Tambiranai pasinai kunyunyutirana. 10 Munhu wese mbaashandise chipo chaadotambira kuti ashumire vamwe nacho, sevachengeti vadotendeka vomarudzi mazinji yomutsa waMwari. 11 Wese anonyaira mbaaite searikunyaira mashoko yaMwari. Wese anoshumira, mbaaite nosimba rinopasiwa naMwari, kuitira kuti pazvinhu zvese Mwari arumbidziwe kuburikidza naJesu Khirisitu. Kwaari mbakuve nokubhwinya nomasimba nokusingaperepere. Ameni.
12 Hama dzinodiwa, musashamisike nomiyedzo inohwadza, irikuuya kwamuri kudzokuedzai, sekunge chinhu chisingazikane chiri kuitika kwamuri. 13 Asi farai kuti muri kutora chikamu chomatambudziko yaKhirisitu, kuitira kuti mudzosokoka kufara kana kubhwinya kwache kuchiratidziwa. 14 Kana muchitukaniwa nokuda kwozita raKhirisitu, mudokomborehwa, ndava Mweya wokubhwinya nowaMwari uri pamuri. 15 Kutambudzika kwenyu, mbakureke kuva kwochikonzero choumhondi kana choumbavha kana chokupara umwe murandu kana kuva nomungu. 16 Zvisinei, kana uchitambudzika semuKhirisitu, reka kunyara, asi rumbidza Mwari kuti unozita rakarero.
17 Ndava yava nguwa yokuti kutonga kuthangire mumhuri yaMwari, uye kana kuchithanga naisisu, ko kuno vasingateerere Vhangeri raMwari zvichagumira poi? 18 Uye,
"Kana zvidoomera adorurama kuti aponesewe,
ko kudzoti mutadzi novasinganamate vachaoneka poi?"
19 Saka vanotambudzika zviri maererano nokuda kwaMwari vanofanira kuzvikumikidza kuMusiki wavo adotendeka voramba vachiita zvidonaka.